Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents

Tariro Huru

 - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    Dzidziso Yakatsauka yeKutsva Narini

    Zvakaipa zvakakomberedzwa nekusimudzirwa nedzidziso yenhema inoti vanhu vacharwadziswa nekusingaperi. Dzidziso yeBaiberi izere nerudo nekunaka inosvibiswa nezviyera-yera uye kutyisa kukuru. Satani akapa chimiro chaMwari chisicho. Musiki wedu anobva atyiwa, nekuvengwa chaiko. Chimiro chaMwari ichi chaakaparadzira mupasi rose chichidzidziswawo mumakereke chakaita kuti ruzhinji ruve runozeza chokwadi nekuda kwekusachivimba zvobva zvavaita vanhu vakaipisisa kwavo.TaH 38.2

    Kurwadzisa vanhu nokusingaperi ndiyo imwe yedzidziso dzakatsauka ( Zvaka 14: 8; 17:2). Vafundisi vaKristu vanotendawo izvozvo nhai pavanogamuchira sabata remanyepo. Kana tikatsauka kubva mushoko raMwari togamuchira nhema nokuti dzakadzidziswa nevabereki vedu, tinova nemhosva dzakatongerwa Babironi, tiri kunwawo waini yezvakaipa.TaH 38.3

    Ruzhinji runokweverwa kusiko. Vanoona kuti magwaro anomiririra Mwari kuti ndewerudo nekunzwira nokudaro havangabvumi kuti anoisa zvisikwa zvake mumwoto unopfuta nekusingaperi. Vachitenda kuti mweya unorarama nekusingaperi, vanogutsikana kuti vanhu vese vachaponeswa. Saka mutadzi anogona zvake kurarama mumafaro ezvivi achishaya hanya nemirairo yaMwari wozongogamuchirwa zvake muhupenyu hwakanaka husingaperi. Dzidziso idzi dzinorasisa chimiro chengoni dzaMwari dzichikanganisa kururamisira kwake dzinodokwaidza mwoyo wakaora.TaH 39.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents